Acts 26

1Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti, 2“Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha, 3uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo.

4“VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo. 5Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi. 6Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari. 7Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi. 8Seiko zvisingagoni kutendwa pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?

9“Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta. 10Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo. 11Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.

12“Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru. 13Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo. 14Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’

15“Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’

“Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza.
16Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza. 17Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kune veDzimwe Ndudzi. Ndiri kukutuma kwavari 18kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’

19“Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga. 20Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokune veDzimwe Ndudziwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo. 21Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya. 22Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika, 23kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”

24Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.”

25Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. 26Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. 27Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”

28Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”

29Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”

30Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. 31Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.”

32Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”

Copyright information for SnaBDSC